Ezekiel 16:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana kuri kuɓerekwa kwako, pazuʋa rokuɀarwa kwako cikuvu cako hacina‐kugurwa, ʋuye haunakushambidzwa nemvura kuti unake; hauna‐kutoŋgokwizwa nomunyu, kana kuputirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maberekerwo ako ndiwaya aya, pamusi wawaberekwa rukuvhute rwako haruna kuchekwa hauna kushambidzwa mumvura kuti uchene. Hauna kana kukwizwa munyu kana kuputirwa namachira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
Shona 2009?
Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.
Shona SUB 2002 Bible
Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira.