Ezekiel 16:43 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀausina‐kuraŋgarira mazuʋa oʋuɗuku bgako, asi wakanditsamŋisa neɀinhu iɀi ɀose, naiɀoɀo, tarira, ndicaʋuyisa ɀawakaita pamusoro wako — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; hauŋgazoiti ɀakashata iɀoɀo neɀinonyaŋgadza ɀako ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti hauna kuyeuka mazuva apauduku hwako asi kutoti wakandishatirisa nezvinhu izvozvi zvose, naizvozvo chinzwa, ini ndichakurangirawo zviito zvako. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Hauna here kupara mhosva younzenza pamusoro pezvimwe izvi zvose zvinosemesa zvaunoita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
Shona 2009?
Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.