Ezekiel 16:48 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — munuŋuna wako Sodoma, iye naʋanasikana ʋake, haʋana‐kuita seɀawakaita iwe naʋanasikana ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munun'una wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munun'una wako Sodhomu navana vake vasikana havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munun'una wako Sodhoma, “Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
Shona 2009?
Noupenyu hwangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munun'una wako Sodhoma, "Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.
Shona SUB 2002 Bible
Noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munun'una wako Sodhomu, “Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako.