Ezekiel 16:52 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe ciʋa nemhoȿa yeɀinonyadzisa ɀako, ɀawakapembedza ʋanuŋuna ʋako; nokuɗa kweɀiʋi ɀako ɀawakaita ɀinonyaŋgadza kupfuʋura ɀaʋo, iʋo ʋaʋa ʋakarurama kupfuʋura iwe; ɀirokwaɀo, ciȿoɗeswa iwe, uʋe nokunyadziswa kwako, ɀawakapembedza ʋanuŋuna ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira munun'una wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti munun'una wako ave akarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino newewo unofanira kunyara nokuti wakatoita kuti mukoma wako nomunun'una wako vaite savarurami pamusana pezvitadzo zvako zvawakaita zvinosemesa kupinda zvavo. Ivo vanotova varurami kudarika iwe saka nyarawo iwe utakurane nenyadzi dzako nokuti wakaita kuti mukoma wako nomunun'una wako vaite savarurami panewe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanun'una vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanun'una vako.”
Shona 2009?
"Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanun'una vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanun'una vako."
Shona SUB 2002 Bible
“Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanun'una vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanun'una vako.”