Ezekiel 16:63 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti uraŋgarire, uȿoɗeswe, urege kuzoshamisa muromo wako ɀe nokuɗa kwokunyara kwako, kana ndakukaŋganwira ɀose ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ukasazoshamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinenge ndichiitira kuti uyeuke udumbirwe nazvo urege kuzofa wakazarura muromo wako zvakare pamusana penyadzi dzako pandinenge ndakuregerera zvose zvawakaita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kokunyara kwako, kana ndakukangamwira zvose zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.