Ezekiel 16:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakapfuʋura kwauri, ndikakutarira, ndikaʋona kuti ŋguʋa yako yakaŋga iri ŋguʋa yoruɗo. Ipapo ndakawarira ŋguʋo yaŋgu pamsoro pako, ndikafukidza kushama kwako; ɀirokwaɀo, ndakakupikira, ndikaita suŋgano newe, iwe ukaʋa waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguwo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndakazopfuura zvakare nepawaiva ndikakutarisa. Izvozvo wanga wasvika pazera rokuda zvokuroorwa ndakatambanudzira hanzu yangu pauri ndikakufukidza muviri wako waiva mutwi. Ndakaita chitsidzo changu kwauri ndikaita chitenderano newe; ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, iwe ukabva wava wangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguva yako yakanga iri nguva yorudo. Ipapo ndakawarira nguo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguvo yako yakanga iri nguvo yorudo. Ipapo ndakawarira nguvo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguva yako yakanga iri nguva yorudo. Ipapo ndakawarira nguo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.