Ezekiel 17:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino uti kuimba ino ndi mukira simba: Hamuziʋi here kuti ɀinhu iɀi ɀinoreʋeiko? Ciʋaʋudza, uti: Tarira mambo weBabironi wakaȿika Jerusarema, akaɓata mambo waro, namacinda aro, akandoʋaisa Babironi kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uti kuimba iyi inondimukira, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinorevei?’ Uti kwavari, ‘Mambo weBhabhironi akaenda kuJerusarema akandotorako mambo waro namakurukota aro, akadzokera navo kuBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Taurira imba yakapanduka iyi kuti, ‘Hamuzivi here zvinoreva zvinhu izvozvi? Vataurire kuti Mambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu akatora mambo waro namachinda aro akaenda navo kuBhabhironi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino uti kuimba inondimukira simba, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko?’ Chivaudza, uti, ‘Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.
Shona 2009?
"Zvino uti kuimba inondimukira simba, 'Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko?' Chivaudza, uti, `Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino uti kuimba inondimukira simba, ‘Hamuzivi here kuti zvinhu izvi zvinoreveiko?’ Chivaudza, uti, ‘Tarira mambo weBhabhironi wakasvika Jerusaremu, akabata mambo waro, namachinda aro, akandovaisa Bhabhironi kwaari.