Ezekiel 17:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ʋushe ʋuɗerere, kuti ʋurege kukura, asi ʋurambe ʋuri’po ʋuciceŋgeta suŋgano yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuitira kuti umambo huderere, husingazogoni kumukazve, huchingovapo chete nokuchengeta chibvumirano chake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akavatorera kuti nyika iyo ininipiswe irege kusimudza musoro. Uye kuti nokuchengeta kwainenge yaita chitenderano chake naye ikwanise kuramba imire.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.’
Shona 2009?
kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.'
Shona SUB 2002 Bible
kuti ushe huderere, kuti hurege kukura, asi hurambe huripo huchichengeta sungano yake.’