Ezekiel 17:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀirokwaɀo, panɀimbo panogara mambo, wakamuita mambo, waakashoʋora kupika kwake, nokuputsa suŋgano yake, ipapo paari, pakati peBabironi, ndipo paacafira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iye achafira muBhabhironi, munyika yamambo akamugadza pachigaro choushe, ane mhiko yaakazvidza uye chibvumirano chaakaputsa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munhu uyu akarega kufira mukati imomo meBhabhironi, munzvimbo yacho yamambo akamugadza umambo ane chitsidzirano chaakashora uye ane chitenderano naye chaakatyora handisirini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachifira.
Shona 2009?
"Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachafira.
Shona SUB 2002 Bible
“Noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Panzvimbo panogara mambo, akamuita mambo, waakashora kupika kwake, nokuputsa sungano yake, ipapo paari, pakati peBhabhironi, ndipo paachifira.