Ezekiel 17:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakashoʋora kupika nokuputsa kwake suŋgano; tarira, wakapika noruʋoko rwake, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaita iɀoɀi ɀose; haaŋgapukunyuki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akashora mhiko nokuputsa kwaakaita sungano. Nokuti akanga aisa ruoko rwake pakupika uku ndokuzoita zvinhu zvose izvi, haangapukunyuki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti akazvidza mhiko akatyora chitenderano, asi akatosimudza ruoko kupika, pedzepo woita zvose izvi, haambopunyuki.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyange zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki.”
Shona 2009?
Nokuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyange zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti wakashora kupika nokuputsa kwake sungano; tarira, akapika noruoko rwake, kunyangwe zvakadaro akaita izvozvi zvose haangapukunyuki.”