Ezekiel 17:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋose ʋanotiza ʋamapoka ake ose ʋacaʋurawa nomunondo, naʋakasara ʋacaparadzirwa kunobva mhepo dzose; ɀino mucaziʋa kuti ini Jehova ndini ndakataura iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mauto ake anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyanzvi chaidzo dzevarwi vake vehondo vachafa nebakatwa; vanenge vapunyuka vachiti mwarara kumativi ose. Iwe uchabva waziva kuti ndini Tenzi ndazvitaura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurawa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo.”
Shona 2009?
Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurawa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo."
Shona SUB 2002 Bible
Vose vanotiza vamapoka ake ose vachaurayiwa nomunondo, navakasara vachaparadzirwa kumativi mana enyika; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndini ndakataura izvozvo.”