Ezekiel 17:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƌaʋi rikamera, rikaita muzambiriŋga unotanda wakafupika, kuti mataʋi awo atarire kwariri, nemidzi yawo iʋe pasi paro; saiɀoɀo rakaita muzambiriŋga, wakaɓuɗisa mataʋi nokutuŋgira ʋutaʋi ʋuɗuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ikatungira ikava muzambiringa mupfupi unotandira. Matavi awo akadzoka akananga kwariri, asi midzi yawo yakaramba iri pasi pawo. Saka wakabva wava muzambiringa ukabudisa matavi uye ukatungira mashizha pamatavi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhodzi iya yakabuda ikava mugirepisi unoti unotanda napasi. Mapazi awo akakwira mudenga; akakura akananga kugondo riya. Midzi yawo yakadzika pasi. Saizvozvo wakava mugirepisi wakaita mapazi ukaita pfumvudza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Davi rikamera, rikaita mudzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita mudzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.
Shona 2009?
Davi rikamera, rikaita muzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita muzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.
Shona SUB 2002 Bible
Davi rikamera, rikaita muzambiringa unotanda wakapfupika, kuti matavi awo atarire kwariri, nemidzi yawo ive pasi pawo; saizvozvo rakaita muzambiringa, wakabudisa matavi nokutungira hutavi huduku.