Ezekiel 17:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakaŋga kunerimŋe gondo ɀe rinamapapiro makuru namambaʋa mazhinji; ɀino tarira muzambiriŋga uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutuŋgira ʋo mataʋi aro kwariri, ɀicibva pandima pawakaŋga wakasimŋa, kuti riuɗiridze.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi kwakanga kune rimwe gondo guru rakanga rina mapapiro ane simba guru uye rizere namambava. Zvino muzambiringa wakatandavadza midzi yawo yakananga kwariri kubva pamunda pawakanga wasimwa ukatambanudza matavi awo kwariri kuti uwane mvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pakanga paine rimwezve gondo guru rina mamapiro makuru rine minhenga yakawanda. Zvino mugirepisi uya wakanangisa midzi yawo kwariri mugirepisi wakarerekera mapazi awo kwariri kuti gondo riudiridze. Gondo iri rakautora ipapo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira mudzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.
Shona 2009?
"Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kwakanga kune rimwe gondozve rina mapapiro makuru namambava mazhinji; zvino tarira muzambiringa uyu wakarerekera midzi yawo kwariri nokutungirawo matavi aro kwariri, zvichibva pandima pawakanga wakasimwa, kuti riudiridze.