Ezekiel 17:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe uti: Ɀanzi naShe Jehova: Muti ucaramba ucifara here? Ko gondo hariŋgadzuri midzi yawo, nokugura ɀiɓereko ɀawo, kuti uwome here; kuti mashizha awo acaŋgoɓukira, awome here? Hakuŋgaɗikanwi ruʋoko runesimba, kana ʋanhu ʋazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muti uyu uchakura here? Hauchazodzurwi ukadimurirwa muchero wawo kuti uome here? Mashizha awo matsva ose achangobuka achaoma. Hakuzombotsvakwi ruoko rune simba kana vanhu vazhinji kuti udzurwe nemidzi yawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Taura uti zvanzi naTenzi Mwari, ‘Ucharara here? Gondo irori haiudzuri here richiutyora mapazi awo. Zvokuti pfumvudza dzawo dzinouna. Haumboda ruoko rwakasimba kana kuti vanhu vakawanda vokuudzura nemidzi.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here?’ Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikanwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
Shona 2009?
"Zvino iwe uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here?' Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikamwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, muti ucharamba uchifara here?’ Ko gondo haringadzuri midzi yawo, nokugura michero yawo, kuti mashizha awo achangobukira, aome here? Hakungadikanwi ruoko rune simba, kana vanhu vazhinji, kuudzura nemidzi yawo.