Ezekiel 18:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
usino‐kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake ɀifananidzo ɀeimba yaIsraeri, kana kucinyira mukadzi wowokwake,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haadyi pashongwe dzamakomo kana kutarisira kuzvifananidzo zveimba yaIsraeri. Haachinyi mukadzi womuvakidzani wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
oita munhu asingadyiri pamakomo kana kutarisa zvifananidzo zvokunamata zvemba yaIsiraeri, asingatadzi nomudzimai womumwe,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
Shona 2009?
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yavalsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,
Shona SUB 2002 Bible
asina kudya pamakomo, kana kutarira nameso ake zvifananidzo zveimba yaVaIsiraeri, kana kuchinyira mukadzi wowokwake,