Ezekiel 18:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
usino‐kuitira ʋamŋe ɀakaipa, usino‐kutora cinhu acireʋa ruɓatso, usino‐kutora cinhu acipamba, asi wakapa ʋanenzara ɀokudya ɀake, nokufukidza wakashama necokufuka;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haamanikidzi munhu upi zvake kana kureva rubatso pachikwereti. Haaiti ugororo, asi anopa zvokudya zvake kuna vaya vane nzara, uye anopfekedza vanoshaya zvipfeko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asingatadziri mumwe, asinganetsi nechikwereti, kupamba asingapambi, asi achipa vane nzara vasina chokupfeka achivapfekedza,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubato, asina kutora chinhu achipamba, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
Shona 2009?
asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubatso, asina kutora chinhu achipamba, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;
Shona SUB 2002 Bible
asina kuitira vamwe zvakaipa, asina kutora chinhu achireva rubato, asina kutora chinhu achipamba, asi akapa vane nzara zvokudya zvake, nokufukidza akashama nechokufuka;