Ezekiel 18:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi munoti: Mŋanakomana unoregereiko kuʋa nemhoȿa yeɀakaipa ɀaɓaɓa ʋake? Kana mŋanakomana aciŋge aita ɀinorebga nomurairo neɀakarurama, akaceŋgeta mitemo yaŋgu yose, akaiita, ɀirokwaɀo ucararama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kunyange zvakadaro munobvunza muchiti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Sezvo mwanakomana akaita nokururamisira uye nokururama uye kuti akanga akangwaririra kuchengeta mitemo yangu, iye achararama zvirokwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi imi mungati, ko mwana wake anoregerei kutambudzika pamusana pouipi hwababa vake? Apa mwana akaita zviri pamutemo uye zvakarurama akanyatsochengeta mirao yangu yose anofanira kuti ararame.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi imi munoti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
Shona 2009?
"Asi imwi munoti, `Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?' Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi imi munoti, ‘Mwanakomana anoregereiko kuva nemhosva yezvakaipa zvababa vake?’ Kana mwanakomana achinge aita zvinorehwa nomurairo nezvakarurama, akachengeta mitemo yangu yose, akaiita, zvirokwazvo achararama.