Ezekiel 18:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana wakaipa akatendeʋuka paɀiʋi ɀake ɀose ɀaakaita, akaceŋgeta mitemo yaŋgu yose, akaita ɀinorebga nomurairo neɀakarurama, ɀirokwaɀo ucararama, haaŋgafi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi kana akaipa akatendeuka kubva pazvivi zvaakaita uye akachengeta mitemo yangu uye akaita nokururamisira uye nokururama, zvirokwazvo achararama; haangafi zvirokwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana munhu akaipa akasiyana nezvitadzo zvake zvose zvaakapara oita zviri pamutemo zvakarurama, anofanira kurarama, haafe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
Shona 2009?
"Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi kana akaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurairo nezvakarurama, zvirokwazvo achararama, haangafi.