Ezekiel 18:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi munoti: Nzira yaShe haina‐kururama. Ɀino cinzwai, imi imba yaʋaIsraeri: Nzira yaŋgu haina‐kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisino‐kururama here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi munoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Haiwa imi imba yaIsraeri: Nzira yangu haina kururama here? Ko, hadzisi nzira dzenyu imi dzisakarurama here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Chinzwai zvino, imi imba yaIsiraeri! Maitiro angu haana ruenzaniso nhai? Handiti kuita kwenyu ndiko kusina ruenzaniso?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi imi munoti, ‘Nzira yaIshe haina kururama.’ Zvino chinzwai, imi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kururama here?
Shona 2009?
"Asi imwi munoti, `Nzira yaIshe haina kururama.' Zvino chinzwai, imwi mhuri yavaIsiraeri, nzira yangu haina kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kururama here?
Shona SUB 2002 Bible
“Asi imi munoti, ‘Nzira yaIshe haina kururama.’ Zvino chinzwai, imi mhuri yaVaIsiraeri, nzira yangu haina kururama here? Ko nzira dzenyu hadzizi idzo dzisina kururama here?