Ezekiel 18:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe, kana munhu wakaipa akatsauka paɀakaipa ɀake ɀaakaita, akazoita ɀinorebga nomurairo neɀakarurama, ucaponesa mŋeya wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana munhu akaipa akadzoka pane zvakaipa zvake zvaakaita akaita zvakarurama nokururamisira, achaponesa mweya wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Uye kana akaipa, akasiyana nouipi hwaakaita oita zviri pamutemo, zvakarurama achazviponesa upenyu hwake
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
Shona 2009?
Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurayiro nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve, kana munhu akaipa akatsauka pazvakaipa zvake zvaakaita, akazoita zvinorehwa nomurairo nezvakarurama, achaponesa upenyu hwake.