Ezekiel 18:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro, imba yaIsraeri inoti: Nzira yaShe haina‐kururama. Nhai, imba yaIsraeri, nzira dzaŋgu hadzina‐kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imba yaIsraeri inoti, ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Nzira dzangu hadzina kururama here, imi imba yaIsraeri? Ko, hadzisi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imba yaIsiraeri ndipo pamuri kuti maitiro aTenzi haana ruenzaniso. Nhaimi vemba yaIsiraeri, maitiro angu haana ruenzaniso here? Handiti kuita kwenyu imi ndiko kusina ruenzaniso?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, ‘Nzira yaIshe haina kururama.’ Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro, vaIsiraeri vanoti, `Nzira yaIshe haina kururama.' Nhai, mhuri yavaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro, VaIsiraeri vanoti, ‘Nzira yaIshe haina kururama.’ Nhai, mhuri yaVaIsiraeri, nzira dzangu hadzina kururama here? Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?