Ezekiel 18:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndicakutoŋgai, imi imba yaIsraeri, mumŋe nomumŋe ɀakafanira nzira dzake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Dzokai, mutendeʋuke pakuɗarika kwenyu kwose; kuti cirege kuʋa cigumbuso ceɀakaipa kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirii pasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo ndichakutongai mumwe nomumwe maererano namaitiro ake, imi vemba yaIsiraeri, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Tendeukai musiyane nezvikanganiso zvenyu zvose uipi hungadaro hukakuparadzai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo ndichakutongai, imi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kwose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
Shona 2009?
"Naizvozvo ndichakutongai, imwi mhuri yavaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. "Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo ndichakutongai, imi mhuri yaVaIsiraeri, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Dzokai, mutendeuke pakudarika kwenyu kwose; kuti chirege kuva chigumbuso chezvakaipa kwamuri.