Ezekiel 18:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rashai kure nemi kuɗarika kwenyu kwose, kwamakaɗarika nako, muɀiitire mŋoyo mitȿa nemŋeya mitȿa; nokuti mucafireiko, imi imba yaIsraeri?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rasai kudarika kwenyu kwamakaita, mufuke mwoyo mutsva nomweya mutsva. Ko, muchafirei, imi imba yaIsraeri?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kandai pasi zvikanganiso zvenyu zvose zvamakapara kwandiri muwane mwoyo mutsva nomweya mutsva. Madireiko kufa, nhaimi vemba yaIsiraeri?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Rashai kure nemi kudarika kwenyu kwose, kwamakadarika nako, muzviitire mwoyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imi mhuri yavaIsiraeri?
Shona 2009?
Rashai kure nemwi kudarika kwenyu kose, kwamakadarika nako, muzviitire moyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imwi mhuri yavaIsiraeri?
Shona SUB 2002 Bible
Rashai kure nemi kudarika kwenyu kwose, kwamakadarika nako, muzviitire mwoyo mitsva nemweya mitsva; nokuti muchafireiko, imi mhuri yaVaIsiraeri?