Ezekiel 18:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
usino‐kuitira ʋamŋe ɀakaipa, wakadzosera ruɓatso rwake kunowakadya cikwerete, usino‐kutora cinhu acipamba, wakapa ʋanenzara ɀokudya ɀake, akafukidza wakashama neŋguʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haamanikidzi mumwe munhu, asi anodzorera rubatso rwaakatora pachikwereti. Haaiti zvougororo, asi anopa zvokudya zvake kune vane nzara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asingadzvinyiriri mumwe anodzorera zvikwereti kwaakwereta, asingapambi munhu uye anopa chokudya kune ane nzara, anopfekedza vasina chokupfeka,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asinakuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubato rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguo;
Shona 2009?
asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubatso rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguvo;
Shona SUB 2002 Bible
asina kuitira vamwe zvakaipa, akadzosera rubato rwake kuno wakatora chikwereti, asina kutora chinhu achipamba, akapa vane nzara zvokudya zvake, akafukidza akashama nenguo;