Ezekiel 19:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋoto waɓuɗa paɗandaramataʋiawo, ukapedza micero yawo, hapacineɗanda rinesimba riŋgaita tȿimbo yokuɓata ʋushe. Awa ndiwo mariro, ʋuye acazoʋa mariro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku ndiko kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Moto wakabva pahunde yacho ukaroromesa mapazi awo nomuchero wawo zvokuti pauri pakanga pasisina rumuti rwakasimba runogona kana kuitwa tsvimbo youmambo.” Irworu rwiyo rwokuungudza rwava rwiyo rwokuungudza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.
Shona 2009?
Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.
Shona SUB 2002 Bible
Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.