Ezekiel 2:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iwe, mŋanakomana womunhu, usaʋatya iʋo, usatya mashoko aʋo, kunyaŋge uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati peɀinyaʋaɗa; usatya mashoko aʋo, usavunduswa neɀiso ɀaʋo, nokuti iʋo iimba ino ndi mukira simba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe mwnakomana womunhu usavatye kana kutya zvavanotaura, kunyange zvazvo kwauri vari rukato neminzwa sokunge ugere pamusoro pamarize usatye zvavanotaura kana kutyiswa nokutarisika kwavo nokuti imba yakapanduka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko awo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba.
Shona 2009?
"Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko avo, kunyange uri pakati porukato nemhinzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko awo, kunyangwe uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo imba inondimukira simba.