Ezekiel 20:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imba yaIsraeri yakandimukira simba murenje; haʋana‐kufamba nemitemo yaŋgu, ʋakaramba ɀandakaraira, ɀinoti kana munhu aciɀiceŋgeta, ucararama naɀo; ʋakamhura ɀikuru masaɓata aŋgu. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo murenje, kuti ndiʋapedze.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi vanhu veIsraeri vakandimukira mugwenga. Havana kutevera mitemo yangu asi vakaramba mirayiro yangu, kunyange munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakazvidza chose maSabata angu. Saka ndakati kwavari ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigovaparadza mugwenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imba yaIsiraeri yakandipandukira murenje. Havana kutevedza mirao yangu asi vakaramba mitemo yangu yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Masabata angu vakan'oresa zvikuru. Ndipo pandakafunga zvokuti ndipedzere hasha dzangu pavari murenjemo kuti ndibva ndanyatsovatsakatisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imba yaIsiraeri yakandimukira simba murenje; havana kufamba nemitemo yangu, vakaramba zvandakarayira, zvinoti kana munhu achizvichengeta, achararama nazvo; vakamhura zvikuru maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo murenje, kuti ndivapedze.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible