Ezekiel 20:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaʋasimudzira ʋo ruʋoko rwaŋgu parenje, kuti handiŋgaʋaisi kunyika yandakaŋga ndaʋapa, kunoyerera mukaka noʋuci, iyo yaiʋa ʋukomba bgenyika dzose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve ndakavapikira mugwenga noruoko rwakasimudzwa ndichiti handizovaisi munyika yandakavapa, nyika inoyerera mukaka nouchi, nyika yakanakisisa panyika dzose,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo ndakapika kwavari murenje nemhiko kuti handisi kuvasvitsa kunyika yandakanga ndavapa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi nyika yakakurumbira kwazvo kupinda nyika dzose
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose;
Shona 2009?
Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba bwenyika dzose;
Shona SUB 2002 Bible
Ndakavasimudzirawo ruoko rwangu murenje, kuti handingavaisi kunyika yandakanga ndavapa, kunoerera mukaka nouchi, iyo yaiva hukomba hwenyika dzose;