Ezekiel 20:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋana ʋakandimukira simba, haʋana‐kufamba nemitemo yaŋgu, kana kuceŋgeta ɀandakaraira kuti ʋaɀiite, ɀinoti kana munhu akaɀiita, ucararama naɀo; ʋakamhura masaɓata aŋgu. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo, kuti ndipedze kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo parenje.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi vana vakandimukira: havana kutevera mitemo yangu, vakanga vasina kuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu, kunyange zvazvo munhu anoiteerera achizorarama nayo, uye vakasvibisa maSabata angu. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo uye ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo mugwenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi vana vavo vakandipandukira vakarega kutevedza mirao yangu uye havana kuitira mitemo yangu hanya yokuichengeta yokuti munhu anenge aichengeta anorarama nayo. Vakan'oresa masabata angu. Ndipo pandakafunga kuti ndivavirukire nehasha ndipedzere hasha dzangu pavari murenje imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
Shona 2009?
"Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi vana vakandimukira simba, havana kufamba nemitemo yangu, kana kuchengeta zvandakarayira kuti vazviite, zvinoti kana munhu akazviita, achararama nazvo; vakamhura maSabata angu. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo murenje.