Ezekiel 20:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mŋanakomana womunhu, taura neimba yaIsraeri, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Madziɓaɓa enyu akandimhura ʋo pacinhu ici, kuti ʋakandiɗarikira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, taura kuvanhu veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muna izvozviwo madzibaba enyu akandimhura nokundisiya:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu taurira imba yaIsiraeri uchivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari hechinoi chimwezve chakaitwa namadzibaba enyu chokundishonha nokusatendeka kwandiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.’
Shona 2009?
"Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.'
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo Mwanakomana womunhu, taura neimba yaIsiraeri, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, Madzibaba enyu akandimhurawo pachinhu ichi, kuti vakandidarikira.’