Ezekiel 20:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakati ndaʋaisa kunyika, yandakaʋasimudzira ruʋoko kuti ndicaʋapa iyo, ʋakatȿaka ɀikomo ɀose ɀirefu nemiti yose mikobvu, ʋakaɓayira’po ɀiɓayiro ɀaʋo, ʋakaʋuya’po neɀipo ɀaʋo ɀai ndi tsamŋisa; ndi’po ʋo paʋakaita bgema bgaʋo ʋunonhuwira, ʋakaɗururira’po ɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandakavauyisa munyika yandakanga ndapika kuti ndichavapa uye vakaona chikomo chipi zvacho chakakwirira kana muti upi zvawo una mashizha, vakabayira zvibayiro zvavo ipapo, vakapa zvipiriso zvakanditsamwisa, vachipa zvinonhuwira zvavo uye vakadurura zvipiriso zvavo zvinonwiwa ipapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti pandakavaunza munyika yandakatsidza kuzovapa vaiti vakangoona chikomo chirefu kana muti wakasvibira, ipapo vaibva vatopira zvibayiro zvavo vachipa mipiro yavo inotsamwisa vachipwitititsirapo zvavo zvinonhuwirira uye vachiteurira ipapo mipiro yavo yokuteura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita hwema hwavo hunonhuwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
Shona 2009?
Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibayiro zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita bwema hwavo hunonhuhwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakati ndavaisa kunyika, yandakavasimudzira ruoko kuti ndichavapa iyo, vakatsvaka zvikomo zvose zvirefu nemiti yose mikobvu, vakabayirapo zvibairo zvavo, vakauyapo nezvipo zvavo zvainditsamwisa; ndipowo pavakaita hwema hwavo hunonhuwira, vakadururirapo zvipiriso zvavo zvinodururwa.