Ezekiel 20:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, taura naʋakuru ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Maʋuya kuzondibvunza ini here? Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handiɗi kubvunzwa nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, taura kuvakuru veIsraeri uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Mauya kuzondibvunza ini here? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, handisi kuzobvuma kuti mundibvunze imi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu taurira vakuru vakuru veIsiraeri ava uvaudze kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ‘Chamavinga pano apa kuda here kuzonzwa kuti ndinoti kudii?’ Zvino hezvinoi ndakadai, ndizvo zviri kureva Tenzi, zvokuti imi muuye kuzonzwa kuti ini ndinoti kudii handizvidi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, taura navakuru vaIsiraeri, uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu,' ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, taura navakuru VaIsiraeri, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, mauya kuzondibvunza ini here? Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha handidi kubvunzwa nemi.