Ezekiel 20:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciʋuya neɀipo ɀenyu, kana mucipinza ʋanakomana ʋenyu mumŋoto, munoɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀenyu kuȿikira zuʋa ranhasi here? Ɀino ndiŋgabvunzwa nemi here, imi imba yaIsraeri? Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, handiɗi kubvunzwa nemi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamunopira zvipo zvenyu nokubayira vanakomana venyu sechibayiro pamoto muchizvin'oresa nezvifananidzo zvenyu zvose zvokunamata kusvikira pari nhasi. Pakadai ndipo here pamungazoda kundinzwa kuti ini ndinoti kudii, nhai imba yaIsiraeri? Hezvino ndakadai ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari, handidi zvangu kuti imi muzobvunza kuti munzwe kuti ini ndinoti kudii!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemi here, imi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
Shona 2009?
Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemwi here, imwi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu,' ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;
Shona SUB 2002 Bible
Kana muchiuya nezvipo zvenyu, kana muchipinza vanakomana venyu mumoto, munozvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira zuva ranhasi here? Zvino ndingabvunzwa nemi here, imi imba yaIsiraeri? Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handidi kubvunzwa nemi;