Ezekiel 20:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicakugamucirai sobgema ʋunonhuwira, paŋguʋa yandinokuɓuɗisai pakati pamarudzi aʋanhu, ndicikuʋuŋganidzai panyika kwamakaŋga makaparadzirwa; ndicaɀiratidza kwamuri ndiri Mutȿene pamberi pamarudzi aʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakugamuchirai somunhuwi unonhuwira pandichakubudisai kubva kundudzi nokukuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri uye ndichazviratidza kuti ndiri mutsvene kwamuri pamberi pendudzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichakugamuchirai somupiro unonhuwirira pandichakubvisai mumarudzi ndichikukokorodzai kudzinyika kwamakapararira. Ndicharatidza kuera kwangu pakati penyu marudzi achiona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichakugamuchirai sohwema hunonhuwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
Shona 2009?
Ndichakugamuchirai sobwema hunonhuhwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichakugamuchirai sohwema hunonhuwira, panguva yandinokubudisai pakati pamarudzi avanhu, ndichikuunganidzai panyika kwamakanga makaparadzirwa; ndichazviratidza kwamuri ndiri Mutsvene pamberi pamarudzi avanhu.