Ezekiel 20:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti kuɗondo kurutiʋi rwezasi: Inzwa shoko raJehova: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndicaɓatidza mŋoto mukati mako, ucapedza muti mumŋe nomumŋe mutema mukati mako, nomuti mumŋe nomumŋe wakawoma; muraɀo unopfuta hauŋgadzimŋi, asi ɀiso ɀose kubva kurutiʋi rwezasi kuȿikira kurutiʋi rwokumsoro ɀicapiswa nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kusango rezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokukupisa nomoto, uye uchaparadza miti yako yose, zvose minyoro neyakaoma. Kuririma kwomurazvo hakungadzimwi, uye zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iti kusango rokuNegevhu, inzwai izwi raTenzi. Zvanzi naTenzi Mwari, chinzwa, ndichabatidza moto mauri ucharoromesa muti wose wakasvibira uri mauri nomuti wose wakaoma usingazodzimiki; rimi rinonganduka risingadzimuriki. Uchavavaidza uso hwose kubvira kumaodzanyemba dakara kuchamhembe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uti kudondo kurutivi rwezasi, ‘Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
Shona 2009?
uti kudondo kurutivi rwezasi, `Inzwa shoko raJehovha, zvanzi naIshe Jehovha, tarira, ndichabatidza moto mukati mako, uchapedza muti mumwe nomumwe mutema mukati mako, nomuti mumwe nomumwe wakaoma; murazvo unopfuta haungadzimwi, asi zviso zvose kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwokumusoro zvichapiswa nawo.
Shona SUB 2002 Bible