Ezekiel 20:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa randakasanaŋgura Israeri, ndikasimudzira ʋana ʋeimba yaJakobo ruʋoko rwaŋgu, nokuɀiziʋisa kwaʋari munyika yeEgipita, musi wandakaʋasimudzira ruʋoko rwaŋgu, ndiciti: Ndini Jehova Mŋari wenyu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randakasarudza Israeri, ndakapika ndakasimudzira ruoko kuzvizvarwa zveimba yaJakobho ndikazviratidza kwavari muIjipiti. Ndakasimudza ruoko rwangu, ndikati kwavari, “Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi Mwari, pazuva randakasarudza Isiraeri, ndakatsidza nemhiko kumbeu yemba yaJakobho ndichizvizivisa kwavari munyika yeIjipiti. Ndakatsidza nemhiko kwavari ndichiti ndini Tenzi, Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu,’ ndichiti, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu;’
Shona 2009?
uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu,' ndichiti, `Ndini Jehovha Mwari wenyu;'
Shona SUB 2002 Bible
uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, nezuva randakatsanangura Isiraeri, ndikasimudzira vana veimba yaJakobho ruoko rwangu, nokuzvizivisa kwavari munyika yeIjipiti, musi wandakavasimudzira ruoko rwangu,’ ndichiti, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu;’