Ezekiel 20:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikati kwaʋari: Rashai, mumŋe nomumŋe, ɀinonyaŋgadza ɀameso ake, murege kuɀiȿiɓisa neɀifananidzo ɀeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndakati kwavari, “Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zviumbwa zvenyu zvinonyangadza zvamakaringira kwazviri, uye murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo ndakavati kandai pasi zvinhu zvounyangadzi hwakan'ora zvamunofarira kuona nameso enyu ani naani zvake wenyu murege kuzvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti, ini ndini Tenzi, Mwari wenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikati kwavari, ‘Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.’
Shona 2009?
Ndikati kwavari, `Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndikati kwavari, ‘Rasai, mumwe nomumwe, zvinonyangadza zvameso ake, murege kuzvisvibisa nezvifananidzo zveIjipiti; ndini Jehovha Mwari wenyu.’