Ezekiel 20:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋakandimukira simba, ʋakaramba kunditerera; haʋana‐kurasha, mumŋe nomumŋe waʋo, ɀinonyaŋgadza ɀameso aʋo, haʋana‐kusiya ɀifananidzo ɀeEgipita. Ipapo ndakati ndicaɗurura hasha dzaŋgu pamsoro paʋo, kuti ndipedze kutsamŋa kwaŋgu pamsoro paʋo pakati penyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Asi vakandimukira vakasada kunditeerera; havana kuda kurasa zvifananidzo zvavairingira kwazviri nameso avo, kana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Saka ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo ndigopedzera kutsamwa kwangu pamusoro pavo muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vakandipandukira vakarega kunditeerera. Mumwe nomumwe wavo haana kukanda pasi zvinhu zvinosemesa zvavaifarira kuona nameso avo kana kusiyana nezvifananidzo zvokunamata zveIjipiti. Ipapo ndakafunga zvokuvavirukira nehasha, ndipedzere hasha dzangu pavari mukati menyika yeIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza meso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza zvameso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Asi vakandimukira simba, vakaramba kunditeerera; havana kurasa, mumwe nomumwe wavo, zvinonyangadza meso avo, havana kusiya zvifananidzo zveIjipiti. Ipapo ndakati ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavo, kuti ndipedze kutsamwa kwangu pamusoro pavo pakati penyika yeIjipiti.