Ezekiel 21:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaisa munondo wakavomorwa pamasuʋo aʋo ose, kuti mŋoyo yaʋo inyauswe, nokugumburwa kwaʋo kuwande; haiwa! wakaitwa semheni, wakateȿererwa kuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuti mwoyo inyauke uye vanowa vawande, munondo ndakauyisa pamasuo avo ose kuti uuraye. Haiwa wakagadzirirwa kuti upenye semheni, wakabatwa kuti uuraye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuitira mwoyo yavo idedere, vazhinji vafe mumaguta mavo mose. Ndakapa bakatwa rinopenya. Heekaka! Rakagadzirwa semheni rikaputirwa kuitira kuzourayisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuo yavo yose, kuti mwoyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.
Shona 2009?
Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuo yavo yose, kuti moyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakaisa munondo wakavhomorwa pamisuwo yavo yose, kuti mwoyo yavo inyauswe, nokugumburwa kwavo kuwande; aiwa! Wakaitwa semheni, wakatesvererwa kuuraya.