Ezekiel 21:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀicaʋa kwaʋari sokuʋuka kwenhema pamberi paʋo, iʋo ʋakaʋapikira mhiko; asi iye ucaraŋgarira kusarurama kwaʋo, kuti ʋaɓatwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvichange zvakaita seshuramanenji yenhema kuna vaya vakange vapikira kumuteerera, asi iye achavarangaridza nezvemhosva yavo agovatora kuti avaite nhapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kwavari ivo zvichatarisika sokushopera kusina maturo vachitozviti vakapika mhiko chaidzo dzakasimba. Asi achaita kuti mhosva yavo iyeukwe kuitira kuti vagobatwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.
Shona 2009?
Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvichava kwavari sokuuka kwenhema pamberi pavo, ivo vakavapikira mhiko; asi iye acharangarira kusarurama kwavo, kuti vabatwe.