Ezekiel 21:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀamaka ndi yeʋudzira ɀakaipa ɀenyu, kuɗarika kwenyu ɀakwakafukurwa, ɀiʋi ɀenyu ɀiciʋonekwa paneɀose ɀamunoita, ɀamakaraŋgarirwa, mucaɓatwa noruʋoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Nemhaka yokuti imi vanhu makandiyeuchidza mhosva yenyu nokundimukira pachena, muchiratidza pachena zvivi zvenyu pazvinhu zvose zvamunoita, nokuda kwokuti makaita izvi, muchaitwa nhapwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari pamusana pokuti makaita kuti chitadzo chenyu chiyeukwe nokuiswa pachena kwaitwa chitadzo chenyu zvokuti muzviito zvenyu zvose zvazvo, zvitadzo zvenyu zvava kuonekwa, zvaita kuti imi muyeukwe; muchaiswa mumaoko mavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.’
Shona 2009?
"Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.'
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvamakandiyeudzira zvakaipa zvenyu, kudarika kwenyu zvakwakafukurwa, zvivi zvenyu zvichionekwa pane zvose zvamunoita, zvamakarangarirwa, muchabatwa noruoko.’