Ezekiel 21:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, ciprofita, uti: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋana ʋaAmoni, pamsoro pokushoʋorwa kwaʋo; iwe uti: Munondo, munondo wavomorwa, wabginyisirwa kuʋuraya, kuti upedze, uʋe semheni;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye iwe, mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavaAmoni nokutuka kwavo: “ ‘Munondo, munondo, wavhomorwa kuti uuraye, wapukutwa kuti uparadze uye kuti upenye semheni!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino iwe mwanakomana womunhu porofita uchiti, ‘Zvanzi naTenzi Mwari nezvevaAmoni uye nezvokunyadziswa kwavo achiti, bakatwa, bakatwa raburitswa muhara kuzorakatisa.’ “Rakakwenenzverwa zvokuva nokupenya kunenge kwemheni
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, ‘Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni;’
Shona 2009?
"Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, `Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni,'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe Mwanakomana womunhu, chiporofita, uti zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavana vaAmoni, pamusoro pokushorwa kwavo; iwe uti, ‘Munondo, munondo wavhomorwa, wabwinyisirwa kuuraya, kuti upedze, uve semheni;’