Ezekiel 21:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋacikuʋonera ɀakaratidzwa ɀenhema, ʋacikuʋukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yaʋakaipa ʋakakuʋadzwa ɀikuru, ʋaȿikirwa nezuʋa raʋo paŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange vakaona zviratidzo zvenhema pamusoro pako, vakauka zvenhema pamusoro pako, zvichaiswa pamitsipa yavakashata vachazourayiwa, vane zuva ravo rasvika, ivo vane nguva yokurangwa yasvika pokupedzisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ivo vachikuonerai zviratidzo zvenhema kudaro vachishopera zvenhema nezvenyu saizvozvo bakatwa richazoiswa pamutsipa yavakaipa vakan'ora vasvikirwa nenguva yokutongwa kwavo kwokupedzisira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, zvachikuukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.
Shona 2009?
vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, vachikuvukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.
Shona SUB 2002 Bible
vachikuonera zvakaratidzwa zvenhema, zvachikuukira nhema, kuti uiswe pamitsipa yavakaipa vakakuvadzwa zvikuru, vasvikirwa nezuva ravo panguva yezvakaipa zvokupedzisira.