Ezekiel 21:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ʋaciti kwauri: Unogomera neiko? uti kwaʋari: Nemhaka yamashoko, nokuti anoʋuya; mŋoyo mumŋe nomumŋe ucanyauka, maʋoko ose acashaiwa simba, mŋeya mumŋe nomumŋe ucati rukutu, mabvi ose acashaiwa simba semvura; tarirai, anoʋuya, acaitika — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino pavanokubvunza vachiti, ‘Unogomereiko?’ iwe uchati kwavari, ‘Nemhaka yamashoko ari kuuya. Mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka uye ruoko rumwe norumwe rucharemara, mweya mumwe nomumwe uchaziya uye ibvi rimwe nerimwe richarukutika semvura.’ Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana vakakuti zvauya sei kuungudza kudai, iwe uti ‘Pamusana pamashoko. Paachasvikira munhu wose achadumbirwa nazvo; maoko avose achapera simba, mweya yose ichirukitika; mabvi ose achati rukutu semvura zvayo. Hezvo rosvika uye richatoitika.’ ” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana vachiti kwauri, ‘Unogomera neiko?’ Uti kwavari, ‘Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika,’ ” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
"Zvino kana vachiti kwauri, `Unogomera neiko?' Uti kwavari, `Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; moyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika,' " ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana vachiti kwauri, ‘Unogomera neiko?’ Uti kwavari, ‘Nemhaka yamashoko, nokuti anouya; mwoyo mumwe nomumwe uchanyauka, maoko ose achashayiwa simba, mweya mumwe nomumwe uchati rukutu, mabvi ose achashayiwa simba semvura; tarirai, anouya, achaitika,’ ” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.