Ezekiel 22:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakagamucira ɀipo mukati mako kuzoteʋura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemicero, wakaɀifumisa ucimanikidza wokwako, ukandikaŋganwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukati mako muna varume vanogamuchira fufuro kuti vateure ropa; unotora mhindu inopfuura mwero, uchizviwanira pfuma yokubiridzira kubva kuvavakidzani vako. Uye wakandikanganwa ini, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mauri vanhu vanogamuchira chiokomuhomwe chokuti vadeure ropa. Munokweretesa mari nechimbadzo muchitarisira kuti idzoke yabereka muchizviwanira zvinhu nokutorera vamwe nenzira dzokushandisa chisimba mukandikanganwa.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikangamwa," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.