Ezekiel 22:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀaʋanoʋuŋganidzira sirveri nendarira neɗare nomutobvu netini mukati meʋira, kuti ʋapfutidzire mŋoto pamsoro paɀo, ʋaɀinyause, saiɀoɀo ndicakuʋuŋganidzai nokutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu, ndikuisei’mo, ndikunyausei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Somunhu anounganidza muvira romoto kuti zvinyungudiswe nokupiswa nezhenje, saizvozvo ndichakuunganidzai pakutsamwa kwangu nehasha dzangu ndigokuyisai mukati meguta ndigokunyautsai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokuunganidza kunoitwa sirivha nendarira nesimbi nomutobvu noutare hwerata muvirira romoto zvigovhutirwa moto kuitira kuti zvinyongodeke, ndokuunganidza kwandichakuitai ndakashatirwa ndakatsamwa ndichakurongererai imomo ndikunyongodesei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible