Ezekiel 22:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprista ʋayo ʋakaparadza murairo waŋgu, ʋakamhura ɀinhu ɀaŋgu ɀitȿene; haʋana‐kutsaura pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene, kana kuziʋisa ʋanhu kusiyana kweɀisino‐kunaka neɀakanaka, ʋakatsinzina meso aʋo ʋarege kuʋona masaɓata aŋgu; ini ndamhurwa pakati paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista vayo vanogutsa mirayiro yangu uye vanosvibisa zvinhu zvangu zvitsvene; havaoni mutsauko pakati pechinhu chitsvene nechinhuwo zvacho; vanodzidzisa kuti hapana mutsauko pakati pezvisakachena nezvakachena; uye vanotsinzina meso avo kuti varege kuchengeta maSabata angu, saka ini ndakasvibiswa pakati pavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vayo vakatyoranisa mutemo wangu, vakan'oresa zvinhu zvangu zvinoera; havana kusiyanisa chinhu chinoera nechinhuwo zvacho. Havanawo kudzidzisa kusiyana kwezvan'ora nezvisina. Masabata angu havana kuaitira hanya zvokuti ndava chinhu chakan'ora pakati pavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vapristi vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo.
Shona 2009?
Vaprista vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vapristi vayo vakaparadza murairo wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo.