Ezekiel 23:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino munuŋuna wake Ohoriba wakaɀiʋona hake, kunyaŋge ɀakaɗaro iye wakaŋga akanyanya pakuɗana kwake naʋaɗikani, ʋuye kupata kwake kwakapfuʋura kupata kwomukuru wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munun'una wake Ohoribha akazviona izvozvo, asi nokuda kworuchiva rwake noufeve hwake, akanyanya ufeve kupfuura mukoma wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munun'una wake uya, Mudumba izvozvi zvaiva mumaziso make asi akava mukadzi ane tsika dzakatonyanyisisa kuora kumudarika iye mukudokwaira mwoyo woufeve hwake hwakanga hwakatoipisisa kupfuura hwomukoma wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino munun'una wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikanwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata kwomukuru wake.
Shona 2009?
"Zvino munun'una wake Ohoribha wakazviona hake, kunyange zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikamwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata komukuru wake.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino munun'una wake Ohoribha wakazviona hake, kunyangwe zvakadaro iye wakanga akanyanya pakudana kwake navadikanwi, uye kupata kwake kwakapfuura kupata kwomukuru wake.