Ezekiel 23:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro wakaramba aciwedzera kupata kwake, aciraŋgarira mazuʋa oʋuɗuku bgake, aakapata nawo panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi akaramba achiwedzera unzenza hwake achirangarira mazuva ouduku hwake, paakanga ari chifeve muIjipiti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ufeve hwake ndipo paakatohunyanya oyeuka zvino mazuva oumhandara hwake paaiita ufeve nenyika yeIjipiti
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeIjipiti.
Shona 2009?
"Kunyange zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeljipiti.
Shona SUB 2002 Bible
“Kunyangwe zvakadaro akaramba achiwedzera kupata kwake, achirangarira mazuva ohuduku hwake, aakapata nawo panyika yeIjipiti.