Ezekiel 23:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo iwe Ohoriba, — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — tarira, ndicakumutsira ʋaɗikani ʋako, ʋakazorambga nomŋeya wako; ndicaʋaʋuyisa kwauri kuzorwa newe kumatiʋi ose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, Ohoribha, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakumutsira zvikomba zvako kuti zvikurwise, ivo vawakasemburwa navo ukavafuratira, ndichavauyisa kuzorwa newe vachibva kumativi ose,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo iwe Ohoribha zvanzi naTenzi Mwari, “Chinzwa ndichaita kuti upandukirwe navadiwa vako ivavo vawakaramba wasviba mwoyo. Zvino ndichavaunza vagokukomberana kumativi ese,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, vakazorambwa nomweya wako; ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
Shona 2009?
"Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikamwi vako, vakazorambwa nomweya wako, ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo iwe Ohoribha, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha tarira, ndichakumutsira vadikanwi vako, vakazorambwa nomweya wako; ndichavauyisa kwauri kuzorwa newe kumativi ose;